Kuzarurwa KweZvakavanzika



Kumavambo eshumiro yeHama Branham zvakabuda pachena kuti hurongwa hwemasangano hwakagadzirwa kuti hukurudzire masangano ezvinamato, kwete Vhangeri rechokwadi. Hama Branham vaitenda Shoko rimwe nerimwe reBhaibheri, uye vaisarerutsa, kunyange zvichireva kupatsanurwa kubva kuhama dzavo, shamwari, kana vemhuri.

Vachiri nhengo yeMissionary Baptist Church, vakaudzwa kunzi vagadze madzimai vaparidzi. Zvisinei, vaiziva Magwaro avo zvakakwana. I Timotio 2:12 inotaura pachena kuti, “Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pemurume, asi ngaanyarare,” uye I Vakorinte 14:34 inoti, “Vakadzi ngavanyarare pakereke: nokuti havatenderwi kutaura…” Izvi zvaisava nechekuita nekupikisana nemadzimai, asi Bhaibheri rakabuda pachena panyaya iyi. Pakaitwa sarudzo, aisagona kurerutsa saka akasiya chechi yacho.

Handiro gwaro roga raifuratirwa zvachose nemasangano. Ishe vakazarura chokwadi pamusoro perubhabhatidzo kuna Hama Branham. Ko Jesu aigoraira sei kuti, “Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze nemuzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene,” asi rubhabhatidzo rwese rwakanyorwa muBhaibheri rwaiva muZita raJesu? Muapostora Petro akaraira munaMabasa Avaapostora 2:38 kuti vatendeuke nekubhabhatidzwa muZita raJesu Kristu. Magwaro anoshanda muhumwe hwakakwana, asi zvakatora muporofita kuzarura chakavanzika ichi: “Baba” harisi zita, “Mwanakomana” harisi zita, uye “Mweya Mutsvene” harisi zita. Sezvakangoita murume mumwe chete ndibaba wevana vake, mwanakomana wevabereki vake, mukoma wevanin’ina vake, asi zita rake harinzi “baba,” “mwanakomana,” kana “mukoma.” Baba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene angori madunhurirwa eZita raJesu Kristu. Mateo 28:19 uye Mabasa Avaapostora 2:38 akanyatsa kunangiswa.

Kunyange chivi chepakutanga mubindu reEdheni chakazarurwa, chaisava kudya muchero, asi chimwe chunhu chakatonyanyisa kuipa. Ko kudya chidimbu chemuchero kwaigozarurira sei kuna Adhama naEvha pakarepo kuti vaive vasina kusimira? Hazvitomboreva chinhu. Apurosi rinei nechekuita nekusasimira? Muporofita waMwari akazarura chakavanzika ichi pachena.

Ndivanaani ngirozi dzairehwa munaZvakazarurwa chitsauko 2 ne 3? Mazita avo angangozivikanwa.

Ndevapi vatasvi vemabhiza vasingazivikanwi vemunaZvakazarurwa chitsauko 6? Vane chinhu chimwe chete chinokosha pakati pavo.

United States yakataurwa here muBhuku yeZvakazarurwa?

Ndivanaani 144,000 vakaponeswa muchitsauko 7?

Ndiani mhombwe huru yemuchitsauko 17? Zita rake nezvakavanzika zvose izvi zvakazarurwa muMharidzo yemuporofita mukuru uyu akatumwa kubva kuna Mwari.

Hazvingori zvishamiso zvisingaverengeki zvakatevera murume uyu, asi zvakavanzika zvemuBhaibheri kubudikidza nemumazera zvakazarurwawo mushumiro yake. Zvakava pachena kuti muporofita uyu akazadzikisa magwaro akawanda kupfuura Maraki 4.

Zvakazarurwa 10:7: Asi namazuva enzwi remutumwa wechinomwe, kana otanga kuridza, zvakavanzika zvaMwari zvichapedziswa, sezvaakaparidzira kuvaranda vake vaporofita.

Inzwi riri kudanidzira kunyika kuti ibude kubva mumasangano idzokere kuShoko raMwari repakutanga. Mumwe nemumwe wedu tine mukana mumwe chete sewakapiwa Petro, Jakobho, naJohane. Tine mukana wekuverengwa pakati pevasanangurwa vashoma vaMwari avo vasingakotamire kumasangano ezvinamato anhasi.

Magwaro Matsvene anonyora upenyu nezviito zvevanhu vakafamba naMwari vakazodzwa neMweya waKe zvekuti vanoreva ZVANZI NAJEHOVHA, uye mashoko avo akatsinhirwa nezviratidzo nezvishamiso zvisingakundike. Vaiva vaporofita vaMwari, neNzwi raMwari kuchizvarwa chavo.

Nguva dzasiyana here nezvazvaiva munguva iyo Jesu aive pano? Vaive vakuru vezvinamato vakaMuroverera pamuchinjikwa. Vadzidzi vaiva vashoma zvikuru pakati pehurongwa hwakakura hwezvinamato. Vakapatsanurwa, vakatukwa, ndokuzopedzisira vauraiwa nokuda kwekumira vachipikisana nehurongwa hwemasangano hwakatekeshera. Tinogona kusaurairwa zvitendero zvedu nhasi, asi zvokwadi tinotambudzwa. SeVafarise neVasadhuse, havagone kuramba zvishamiso zvakatevera shumiro yaHama Branham saka vanotsvaga dzimwe nzira dzekutsoropodza nadzo. Unogona kunzwa kuti aiva muporofita wenhema, mutungamiri wechinamato chakatsauka, kana zvakapfuura izvozvo. Chaizvo, aiva munhu waMwari akazvininipisa aipikisa zvakasimba chisimba chemasangano nezvinamato zvakatsauka pamusoro pevanhu vaMwari. Vakatsoropodza Jesu nenzira imwe cheteyo paAkamira achipikisana nedzidziso netsika dzavo.

Mwari akaremekedza kuzvipira kwaHama William Branham kuti atende Shoko rose riri muBhaibheri, uye Ari kushandisa shumiro yavo kuunza mamiriyoni emweya yevanhu kunaJesu Kristu. Nhasi uno, Inzwi reMutumwa weChinomwe riri kurira zvine ruzha sezvaRakambova. Vanhu vangaita mamiriyoni maviri pasi rese vanotenda Mharidzo yaHama Branham. Ava vangave vashoma pakati pe mabhiriyoni maviri vanozviti Makristu, asi ndiriini apo vanhu vaMwari vaisava boka diki?

Tine Mharidzo dzakarekodhwa dzinoraudzira 1,200 dzakatakura Inzwi rakaporofitwa munaZvakazarurwa 10:7 kuti raizouya. Imwe neimwe yemharidzo idzi inokinura zvimwe zvakavanzika zvaMwari. Inzwi iroro unogona kuriwana kana uchida kuRinzwa.

 

SARUDZO NDEYAKO

Hapana nguva imwe chete yandinounza mharidzo kuvanhu kuti vanditevere, kana kujoinha chechi yangu, kana kutanga kumwe kuyanana uye sangano. Handisati ndambodaro uye handisi kuzodaro zvino. Handina hanyn’a nezvinhu izvozvo, asi ndine hanyn’a nezvinhu zvaMwari nevanhu, uye kana ndikakwanisa kugona kuita chinhu chimwe chete ndichagutsikana. Chinhu chimwe chete ichocho kuona kuvakwa kwehukama hwechokwadi hwepamweya pakati paMwari nevanhu, apo vanhu vanova zvisikwa zvitsva munaKristu, vakazadzwa neMweya wake nekurarama maererano neShoko raKe. Ndinokoka, kugombedzera nekuyambira mese kuti munzwe inzwi raKe panguva ino, nekupira hupenyu hwenyu zvakakwana kwaAri, kunyange sekuvimba mumoyo mangu kuti ndakapira zvangu zvese kwaAri. Mwari akuropafadzei, uye kuuya kwaKe ngakupe mufaro kumoyo yenyu.

Rev. William Marrion Branham

 

 

 

Kuwana umwe umboo pamusoro peShumiro yaMufundisi William Marrion Branham nekuwana mharidzo dzavo,
Tapota nyorerai:

THEMESSAGE.COM

P.O. Box 950
Jeffersonville, IN 47131, USA
812-256-1177