Shongwe YeMoto



Hama Branham vaitsanangura kakawanda Shongwe yeMoto yakasimbisa shumiro yavo. Yaivapo pavakazvarwa, ndokuonekwa nezviuru pamahombekombe eOhio River, uye ichiita sokunge yaivatevera kwese kwavaienda. Maiva muna 1950 apo Ishe akapa vose vatendi pamwe nevasingatendi zvimwezvo humboo husingarambike kuti Shongwe yeMoto iyi yaiva pamwe nemuporofita.

Usiku hwaiva hwakaputirwa negakava paSam Houston Coliseum. Hama Branham vakanga vari kutungamirira rumutsiriro rwekupodza rwakanga rwuri kutsvaira nyika. Maropafadzo aIshe Jesu akanga ari kuchururuka semvura inonaya pamusoro peminda yemweya yegorosi. Asi zviratidzo nezvishamiso zvikuru hazvina kuuya zvisina kutsoropodzwa. Senguva dzose, muvengi akasimudza mupikisi. Masimba maviri aya akasangana muHouston Texas, zvino Mutumwa waJehovha pachaKe akadzika kuzorwa hondo.

Zviuru zvakanga zvatovepo kuti zvipupurire zvishamiso zvisingaverengeki zvaitevera uyu munhu waMwari. Zuro wacho, boka revashumiri vemunharaunda vakanga vakadana muporofita kumangange enhaurwa pamusoro pekupodza kwaMwari, asi mujenya uyu wakawira kune mutana shamwari yemuporofita yakatendeka, Reverend F.F. Bosworth. Vatsoropodzi vakawanda vaitungamirirwa nemufundisi wemunharaunda weBaptist uyo aitaurisa achitsoropodza kupodza kwaMwari. Mangange okutaura akanga ari kuzouya akazoziviswa muchivande kune vemapepa-nhau, vakabva vakurumidza kushambadzira musoro wenhau, “Makushe Edzidzo YeBhaibheri Achabhururuka Na 7 p.m. Nhasi MuThe Sam Houston Coliseum.”

Mutsoropodzi akapa basa kunamazvikokota wekutora mifananidzo, Ted Kipperman weDouglas Studios, kuti atore zvinoitika mumangange aya. Manheru iwayo, mifananidzo yakatorwa paine Hama Bosworth vakamira havo zvine hunhu apo mutsoropodzi aipota achimira muzvimiro zvekutyisidzira; pane imwe nguva munwe wake wakange wakabaya pachiso chemutana uyu wakazvininipisa.

Pakatanga mangange enhaurwa, Reverend Bosworth vakakurumidza kuratidza humazvirokwazvo hwekupodza kwaMwari nehumboo hweMagwaro uyezve, kuti pasasare paine mubvunzo, vakakumbira avo vose vakanga vapodzwa zvirwere zvavo kuti vasimuke. Zviuru zvakasimuka ndokumira netsoka. Mushure mokunge avo vakanga vapodzwa vagara pasi, vakakumbira kuti vose vakapodzwa nokupodza kwaMwari avo vaive nhengo chaidzo dzesangano remurume uyu kuti vasimuke. Nhengo dzechechi mazana matatu dzakasimuka kuti varatidze vachidada tsitsi idzo dzavakaratidzwa naIshe Jesu.

Kupikiswa kwakabva zvino kumutsoropodzi. “Regai mupodzi waMwari uya auye pano. Regai azviite.” Hama Bosworth vakanyatsojekesa kuti Jesu ndiye oga Mupodzi waMwari, asi kunguruma kwaibva kumutsoropodzi kwakaenderera mberi. Pakupedzisira, Hama Bosworth vakakoka Hama Branham kupratifomu. Vakagamuchira kokero iyi pakati pokudanidzira kwaivatsigira.

Muporofita, akazadzwa neMweya Mutsvene, akapindura zvinotevera:

Hakuna wandinogona kupodza. Izvi ndizvo zvandinotaura. Pandakanga ndiri mucheche akazvarirwa muDunhu reKentucky, maererano naamai vangu vanodikanwa, zvinova zvakasimbiswa muhupenyu hwangu, pane Chiedza chakauya mukamuri yekadumba aka ikoko, uko kwakaive, pasina simende pasi, pasina kana fasitera, vaingovawo nekamwe kanhu kaduku ipapo sefasitera, semukova muduku, zvino vakakasairira kuti kazaruke zvingaite five o’clock mangwanani, zvino Chiedza ichi chikatenderera imomo kwave kubuda kwezuva. Kubvira panguva iyi, Chagara chiineni. INgirozi yaMwari. Akasangana neni pachake makore mashoma apfuura. Zvichidzika nemuhupenyu hwangu, Akandiudza zvinhu zvaiitika, uye ndikazvitaura sokungonditaurira kwaAinge aita. Uye ndinopikisa munhu wese panzvimbo ipi zvayo, kuti aende kuguta randakakurira, kana kupi zvako, kuti chitaurwa chakaitwa muZita raShe, chakaitika chaizvo sokutaurwa kwazvakaitwa kuti zvaizova.

Mushure mokutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene wakawira papuratifomu, zvino mutori wemifananidzo akanga ari kunakidzwa akangotora mufananidzo. Hama Branham vakabva papuratifomu nechitaurwa chakanyorova, asi chechiporofita: “Mwari vachapupura. Handina zvimwe zvandichataura.”

Mubati pamwe navaKipperman akakasika kuenda kubasa kunosuka mifananidzo kuitira nhau dzamangwanani aizotevera. Akacherechedza chimwe chinhu chisinganzwisisike paakabuditsa mufananidzo wekutanga kubva mumushonga wekugezesa. Iwo, semimwe mifananidzo mishanu yaitevera, yakanga isina chinhu. Akabata moyo wake ndokuwira mberi paakazvuva mufananidzo wekupedzisira kubva mumushonga. Ipapo, pamufananidzo wekupedzisira, paiva neShongwe yeMoto iri muchinhano chinooneka yakazorora pamusoro pemusoro wemuporofita waMwari, William Marrion Branham.

Vana veIsraeri vakaona Shongwe yeMoto ichitungamirira Mosesi, uye vanhu vemuzuva rino rechimanjemanje vaonawo Shongwe yeMoto imwe chete ichitungamirira mumwe muporofita.

Mufananidzo uyu nokukasika wakaendeswa kuna George J. Lacy, Mazvikokota Wekunzvera weZvinyorwa zvine Mubvunzo we U.S. F.B.I., uyo akasimbisa mufananidzo uyu nemaonero ake ane hunyanzvi. Gwaro riri pamurairo rakaitwa naVaLacy riri papeji inotevera.

Izvi zvakaitika kusati kwambova nemakomputa nemakamera asingade mafirimu, uye hazvina kukwanisa kutsanangurwa neipi nzira yaizivikanwa nesainzi, kunze kwekuti paiva neChiedza chaicho pamusoro pemusoro waWilliam Branham. Nhasi mufananidzo mumwe chete uyu unogona kuonekwa muUnited States Library Of Congress, muguta guru renyika, Washington DC.