Maraki 4:1

Nokuti, tarirai, zuva richauya, richapisa sechoto…


Maraki 4:5-6

Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria zuva iro guru raJEHOVHA rinotyisa risati rasvika:

Iye uchadzorera mwoyo yemadzibaba kuvana, nemwoyo yevana kumadzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.

Bhuku rekupedzisira remuTestamende Yekare rinovimbisa kuparadzwa kwenyika. Asi magumo asati asvika, Eria muporofita akafanotaurwa kuti achadzoka kuzozivisa Mhesiya. Vamwe vanoti Johane Mubhabhatidzi akazadzikisa chiporofita ichi.

Makore zviuru zviviri zvapfuura, maJudha aitarisira kuuya kwaMhesiya. Vaiziva kuti Maraki akaporofita nezvemurume ane mweya waEria aizozivisa Mhesiya kwavari. Asi Johane Mubhabhatidzi paakauya, akanga asiri zvavaitarisira kuti Eria aizova. Pavakabvunza Jesu kuti sei Eria asina kuuya kutanga, Akavaudza zvakajeka kuti Johane ndiye aiva kuzadzikiswa kwechiporofita ichocho: “Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria, wakanga achinzi anouya.” (Eriya muchiGiriki zvinoreva Eria, muchiHebheru.)

Raingova boka diki ravanhu vakagamuchira chizaruro ichi. Kuvakuru vezvinamato vazhinji, Johane aingova mutsoropodzi wemasangano ane shungu dzakawandisa. Havana kupotsa mweya waEriya chete, asi kupfuura izvozvo, vakapotsawo zvakare Kuuya kwaKristu.

Saka Johane Mubhabhatidzi akazadzikisa chiporofita chaMaraki here? Kwete zvizere.

Chekutanga, nyika haisati “yapisa sechoto”, saka tinoziva kuti chimwe chikamu chaMaraki 4 chigere kuitika. Chimwe chikamu chegwaro chisina kuzadzikiswa naJohane chaiva, “kudzorera mwoyo yevana kumadzibaba avo.” Zvino, Jesu, pachaKe, akaporofita kuti Eria achauya (munguva ichauya) kuzodzoreredza zvinhu zvese. (Mateo 17:11)

Naizvozvo tinofanira kunge tichitarisira Eria Kuuya kwePiri kwaKristu kusati kwasvika!

Zvino, muzuva rino ranhasi, yave nguva yeKuuya kwePiri kwaIshe Jesu. Zvakare, takavimbiswa kuti mweya waEriya uchaMuzivisa kwatiri maererano naMaraki 4. Asi iboka ripi ravanhu richacherechedza Eriya paanouya? Avo chete vari kumutsvaga.

Aya Mashoko aShe naMuponesi wedu anouya mundangariro patinofunga chiporofita chaMaraki pamusoro penguva dzino dzekuguma:

Asi ndinoti kwamuri, Eriya wakatosvika, asi havana kumuziva… Mateo 17:12

Ko kana tikapotsa kuuya kwaEria uku? Tichapotsa Kuuya kwePiri kwaKristu here, sekupotsa kwakaita vanyori neVafarise Kuuya kwaKe kweKutanga nekuti Havana kucherechedza Johane Mubhabhatidzi?

 

 

 

 

Tsigiro

II Madzimambo 2:15

Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye vakati vachimuona, vakati, Mweya waEria wogara pamusoro paErisha. Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake.

Isaya 40:3-4

Inzwi rounodanidzira murenje achiti, Gadzirai nzira yaJEHOVHA, ruramisirai Mwari wedu mugwagwa mugwenga.

Mipata yose ichazadzwa, makomo ose nezvikomo zvese zvichaderedzwa: pana makoronga pachaenzaniswa, pasakaenzana pachaitwa bani: [Johane Mubhabhatidzi]

Maraki 3:1

Tarirai, ndinotuma nhume yangu [Johane Mubhabhatidzi], iye uchagadzirira nzira yangu pamberi pangu: ipapo Ishe, wamunotsvaga, uchasvika pakarepo patembere yake, iye mutumwa wesungano, wamunoshuva: tarirai, unouya, ndizvo zvinotaura JEHOVHA wehondo.

Maraki 4:1-6

Nokuti, tarirai, zuva richauya, richapisa sechoto [harisati rasvika zvino]; ipapo vose vanozvikudza, hongu, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga: zuva richauya richavapisa, rikasavasiyira mudzi kana davi, ndizvo zvinotaura JEHOVHA wehondo.

Asi imi munotya zita rangu muchabudirwa neZuva rokururama rine kuporesa mumapapiro aro; muchabuda, muchitamba semhuru dzemuchirugu.

Muchatsikira vakaipa pasi; nokuti vachava madota pasi petsoka dzenyu nezuva randichaita izvozvi, ndizvo zvinotaura JEHOVHA wehondo.

Rangarirai murairo waMosesi muranda wangu, wandakamuraira paHorebhi wavaIsraeri vose, izvo zvandakatema nezvandakaraira.

Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria zuva iro guru raJEHOVHA rinotyisa risati rasvika:

Iye uchadzorera mwoyo yemadzibaba kuvana [Johane Mubhabhatidzi], nemwoyo yevana kumadzibaba avo [Eria wanhasi], kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.

Mateo 11:10

Nokuti ndiye, wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi, Tarirai, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, achakugadzirira nzira yako pamberi pako. [Maraki 3:1, Johane Mubhabhatidzi]

Mateo 11:14

Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eriya, wakanga achinzi unouya. [Johane Mubhabhatidzi]

Mateo 17:11-12

Jesu akapindura akati kwavari, Eriya uchauya hake, avandudze zvinhu zvese. [Eriya Wanhasi]

Asi ndinoti kwamuri, Eriya wakatosvika, asi havana kumuziva, asi vakamuitira pavakada napo. Saizvozvowo Mwanakomana wemunhu uchabva wotambudzwa navo. [Johane Mubhabhatidzi]

Ruka 1:17

Uchafamba pamberi pake nemweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yemadzibaba kuvana, nevasingatereri kuuchenjeri hwevakarurama; agadzirire Ishe vanhu vakamugadzirirwa kwazvo. [Johane Mubhabhatidzi]