Iyi ndemimwe mibvunzo yatakagamuchira pamusoro peshumiro yedu. Kana, mushure mekuverenga iyi, uchiine mubvunzo pamusoro pewebhusaiti ino, tapota titumirei email pa answers@themessage.com.

 

Chitaurwa chako chekutenda chii?

Tingati dzidziso yedu "chaiyo" yechechi iBhaibheri, kubva kuna Genesi kusvika kuna Zvakazarurwa. Chitaurwa chedu chekutenda chinogona kupfupiswa sezvizvi: Hatina chitendwa asi Kristu: Hatina murawu asi rudo; hatina bhuku asi Bhaibheri.

Ndiri Mukristu nekare. Nhau dziri pawebhusaiti ino dzine basa rakanyanya neni here?

Hongu! Makristu anofanira kutenda Shoko raMwari rose; ndosaka tichienda kuchechi nekuverenga maBhaibheri edu. Ko ungatende sei chikamu cheBhaibheri chinoti Jesu wakafira zvivi zvako, woregera kuva nehanyn'a nekutanga kwakaita chivi muBindu reEdheni?

Ndinotenda kuti zvandaverenga ichokwadi. Ndinojoinha sei?

Mutumbi waKristu hausi chinamato chakatsauka kana sangano, uye chinhu choga chinodiwa kuti uve nhengo kutenda panaIshe Jesu. Usanetseka nekuwana chekuzvibatanidza kana kunyoresa mapepa nehurumende yechechi. Chingotenda Shoko, zvino Ishe vachagadzirisa zvimwe zvese.

Muri chechi here?

Hatisi sangano rechechi, asi tinobatsira zviuru zvemachechi nemamiriyoni evanhu pasi rose tichivapa zvinhu zvekushandisa zvechinamato. Donzvo redu nderekukurudzira vanhu kuti vave pedyo naIshe Jesu nekuita kuti Vhangeri raKe riwanikwe nemunhu wese ari panyika.

Ndinoda kubhabhatidzwa. Saka zvodini?

Kana usingakwanise kuwana mumwe anokubhabhatidza muZita raIshe Jesu Kristu, titumire email ine kwaunogara tokutumira mazita emachechi ari munharaunda yako anogona kukubhabhatidza zvakanaka. Rangarira, maererano neBhaibheri zvakakosha kubhabhatidzwa muzita raJesu, uye kwete mumadunhurirwa aBaba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene.

Munofunga kuti ndakarasika here nekuti ndiri Mukatorike kana nhengo yerimwe sangano?

Ishe Jesu vakati, “Musatonga, kuti murege kutongwa.” Hapana munhu ane kodzero yekutonga ruponeso. Jesu zvakare wakati, “Anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achatongwa.” Saka hazvina basa kuti uri Mukatorike, Mubaptisti, kana Mupentecosti; ukatenda panaIshe Jesu Kristu uchaponeswa.

Voice Of God Recordings (VGR) chii?

Voice Of God Recordings, Inc. ishumiro yemasangano ese yakazvipira kufambisa Shoko raIshe Jesu Kristu. Nyuko huru yezvinhu zvatinogovera imharidzo dzakarekodhwa dzewakatisiya William Marrion Branham, muporofita waMwari uye muvhangeri anozivikanwa munyika dzese. Basa redu rinobatanidzira maMP3 CD, maDVD, mavhidhio, masoftware, mabhuku, mamagazini, matrakti, mifananidzo, mapepanhau, nemawebhusaiti.

Ndiani William Branham, uye anei chekuita neni?

Reverend Branham aiva muvhangeri aiva nemukurumbira munyika dzese ari munharaunda dzekuvhangera kubva muna1947 kusvika 1965. Haana bedzi kutungamira mamiriyoni kuna Kristu, asi Mwari vakasimbisa shumiro yake nezvishamiso zvisingaverengeki. Link iyi ichakupa chingamidzo kushumiro yake

Kana zvishamiso zvese izvi zvakanyatsoitika, sei ndisingazive nezvake?

Mubvunzo wakanaka iwoyo, uye ndeuyo watingada kubvunza chechi dzese dzanhasi. Mwari wakatumira muporofita! Sei pasina vari kutaura nezvazvo? Vanofanira kunge vachidaro.

Sei muchikohomedzesa panaWilliam Branham?

Nokuda kwechikonzero chimwe chete icho Joshua akakohomedza panaMosesi. Mosesi aiva muporofita akaunza Mharidzo kubva kuna Mwari. Hama Branham vakaita zvimwe chetezvo.

Ndakaona vakadzi vanobatanidzwa neshumiro yenyu. Sei vese vaine vhudzi refu vachipfeka marokwe marefu?

Pauro akati muna I Vakorinte 11:15: “Asi kana mukadzi aine vhudzi refu, ndiko kubwinya kwake: nokuti wakapiwa vhudzi rake chive chifukidzo.” Pauro akataurawo zvakare kuti vakadzi “vapfeke nguwo dzakafanira…” uye Mosesi akati, “Mukadzi haafanire kupfeka nguwo dzemurume.” Kana Bhaibheri rakadaro, zvino Makristu echokwadi achazvitenda.

Ndakaita ongororo ndokuona mawebhusaiti akanangana nekuramba zvinhu zvakataurwa naReverend Branham. Munovapindura sei?

Uchaona mawebhusaiti akanangana nekuramba chero chinhu uye zvinhu zvese, zvichisanganisira Bhaibheri. Tinongokukumbirai kuti mutonge Mharidzo yatakupai neShoko raMwari, kwete nekungotaurawo kunowanika padande. Rangarirai, hapana akapomerwa asina mhosva kupfuura Ishe Jesu. Kana uri kuita chimwe chinhu zvakanaka, zvino unogona kutarisira kushoropodzwa.

Masango ese anogara aine maoko awo muhomwe dzangu. Zvese ndezvemari.

Cherechedza hapana nzvimbo yekubvisa chipo chemari pawebhusaiti ino. Panosvika nguva yekuti tinenge tokumbira mari, zvadaro nguva yasvika yekuti shumiro ino ipere. Izvi hazvisi zvemari, ndezvekuunza mweya yevanhu kunaJesu Kristu.

Ndinoda kudzidza zvimwe; nderipi danho rinotevera?

Bhaibheri rinoti, “kutenda kunouya nekunzwa,” saka tinokukurudzira kuti urambe uchiteerera. Tine mharidzo dzinopfuura 1,200 dzakarekodhwa dziripo kututunurwa mahara. Tinogona kukutumira zvimwe neposvo kana uine dambudziko pakututunura mafaera emagetsi.


www.branham.org inobuditsa zuva rega-rega nhau nezvapupu maererano neshumiro yedu. Tinokukoka kuti utishanyire mazuva ose uverenge nyaya kubva kuvatendi pasi rese. Unogona kushamiswa nezvikuru zviri kuitwa naIshe Jesu ike zvino, muzuva ranhasi rechimanjemanje.