Johane 14:12

Zvirokwazvo, zvirokwazvo, Ndinoti kwamuri, Unotenda kwandiri, mabasa aNdinoita iye achaaitawo; uchaita makuru kuna iwaya; nokuti Ndinoenda kuna Baba.


Marko 16:17-18

Zviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda; Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu; vachataura nendimi itsva;

Vachabata nyoka; kunyangwe vakanwa chinhu chinouraya, hachingavarwadzi; vachaisa maoko pamusoro pavarwere, uye vachapora.


Isu tose tinogona kuvhura mapeji eBhaibheri toona kuti Mwari anoita zvishamiso: Mosesi akapatsanura Gungwa Dzvuku, Eriya akadana nzara, Jesu akafamba pamvura, uye vadzidzi vakapodza varwere.

Pane zviuru zvezviitiko zvinoshamisa zvakanyorwa muBhaibheri. Kana Mwari vachipupurira nemashura nezviratidzo, ko zvino zvishamiso zvaKe zviri kupi nhasi uno? Anogona here kupodza kenza sekupodza kwaAkaita maperembudzi muBhaibheri? Ko AIDS nemalaria? Achiri kugona kuita chishamiso here? Hongu, Mwari vachiri kuita zvishamiso uye zviratidzo izvi zvinotevera avo vanotenda.

Zvino, tarirai shamwari, fungai pamusoro paMambo George weEngland, paakapodzwa multiple sclerosis, apo takamunamatira. Fungai pamusoro paFlorence Nightingale, (mbuya vake, muvambi weRed Cross), akanga orema mapaundi angaita makumi matanhatu, achitandadza ave kufa nekenza yemumatumbu madiki emudumbu, avetepo achifa. Kanjiva kadiki kakabhururukira muchikwenzi ipapo ndokubva Mweya waMwari wauya ukati, “ZVANZI NAJEHOVHA, achararama.” Zvino anorema mapaundi zana nemakumi mashanu ane mashanu akagwinya zvizere.

Fungai nezvaCongressman Upshaw akagara akasungirwa kumacheya nemubhedha kwegore negore, kwemakore makumi matanhatu nenhanhatu. Uye nenguva isipi akasimuka netsoka dzake, akamhanya nemuchivakwa, ndokubata zvigunwe zvake zvemutsoka, akanatswa zvizere.

Chingofungai zviuru nezviuru zvevanhu vakapodzwa. Tingagarireiko pano kusvika tafa? Ngatiitei chimwe chinhu pamusoro pazvo.

Iva nokutenda kana uchirwara kana kuti uine chishuwo. Bhaibheri rinoti Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nekusingaperi, saka kana Aikwanisa kuita chishamiso makore zviuru zviviri zvapfuura, zvino Anogona kuita zvimwe chete nhasi. Akativimbisa kuti takapora, kana dai tikangotenda chete.

Congressman Upshaw

William D. Upshaw akashanda makore masere ari muUnited States House Of Representatives akakwikwidza kuzova mutungamiri wenyika muna 1932. Tsaona papurazi yakamuomesa mutezo achiri mwana, akararama makore 66 ari pamadondoro kana kuti muhwiricheya. Muna 1951, akapodzwa zvizere akafamba zvakanakisa upenyu hwake hwese.

 
Florence Nightingale

Florence Nightingale, hama yekure yemukoti ane mbiri, aiva nekenza inouraya yemudumbu. Akatumira mufananidzo uyu sechikumbiro chekupedzisira chemunamato kenza isati yazomuuraya. Sekuona kwamuri kuita, akanga asvika pachinhano chekufa Ishe Jesu vasati vamupodza muna 1950. Mufananidzo unotevera wakatorwa mushure mekupodzwa kwake ukatumirwa sechapupu chekuti Mwari vachiri kupodza varwere.


Tris Griffin

Tris Griffin akaenda kuhofisi kwachiremba pakutanga kwa2013 nekuda kwemarwadzo emusana aaityira kuti zvichida kwaiva kudzoka kwekurwisana kwake nekenza. MRI yakaratidza “kutsemuka kwetsinga” mumoyo wake, zvakakonzera kuti vanachiremba vaite dzimwe ongororo nekuronga kuvhiya zvechimbichimbi zuva raitevera. Mutsetse uri kupinda nemumoyo mumufananidzo kutsemuka kuri pachena kunogona kureva potse rufu nenguva isipi kana kukapamuka.

Zuva rakatevera, mushure mekunge vatendi vamunamatira, vanachiremba vakaita imwe CT scan kuti vanyatsoona pane kutsemuka uku vasati vatanga kuvhiya. Panguva ino, mifananidzo yakaratidza moyo une utano uzere. Nekushamisika, chiremba wekuvhiya akaudza Mai Griffin, “Handizive zvekukutaurirai. Manga muine tsinga yakachekeka, asi zvino umboo hwacho hwese hapachina.” Akamuratidza mifananidzo asati anamatirwa, uye zvadaro mushure mezvo. “Makasununguka kuenda, uye zvakare, hapana chiratidzo chekenza zvakare. Mune hutano huzere.”

 

Chinongedzo chachiremba chakanongedzera patsinga yeropa, inova nzvimbo yedenderedzwa, rakasvibira iri pakati pemufananidzo. Mutsetse uri mairi ndiko kupatsanuka, kana “kutsemuka” kwetsinga yeropa, kunoda kurapwa pakarepo uye munhu anofa ikapamuka. Ongororo yepiri yakatorwa zuva rakatevera. Kutsemuka kwakange kwanyangadika zvachose kukasambodzoka.

Tsigiro

Mapisarema 103:2-3

Rumbidza JEHOVHA, O mweya wangu, urege kukanganwa makomborero ake:

Iye anokanganwira zvakaipa zvako zvese; anoporesa kurwara kwako kwese;

Isaya 53:5

Asi wakakuvadzwa nekuda kwekudarika kwedu, akarwadziwa nekuda kwezvakaipa zvedu: kurohwa kwakatiunzira rugare kwakanga kuri pamusoro pake; uye takaporeswa nemavanga ake.

Marko 16:17

Zviratidzo izvi zvichatevera vanotenda; Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu; vachataura nendimi itsva;

Ruka 17:6

Ishe akati, Kana maiva nekutenda kwakaita setsanga yemastardha, maiti kumuonde uyu, Dzurwa, usimwe mugungwa; uye uchakutererai.

Johane 14:12

Zvirokwazvo, zvirokwazvo, Ndinoti kwamuri, Unotenda kwandiri, mabasa andinoita iye uchaaitawo; uchaita makuru kuna iwawa; nekuti ndinoenda kunaBaba.

I VaTesaronika 1:5

Nekuti evhangeri yedu haina kuuya kwamuri neshoko bedzi, asi nesimbawo, neMweya Mutsvene, nokuziva kwazvo; sezvamunoziva kuti takanga takadini pakati penyu nekuda kwenyu.

VaHebheru 2:3-4

Ko isu tichatiza sei, kana tisina hanya nekuponeswa kukuru kwakadai; uku kwakaparidzwa pakutanga naShe, kukasimbiswa kwatiri naivo vakamunzwa;

Naiye Mwariwo achipupurirana navo, nezviratidzo nezvinoshamisa, nemabasa esimba mazhinji, nezvipo zveMweya Mutsvene, nokuda kwake?

VaHebheru 13:8

Jesu Kristu unogara akadaro zuro, nanhasi, nekusingaperi.

Jakobho 5:15

Kunyengetera kwokutenda kuchaponesa anorwara, Ishe uchamumutsa; kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa.

I Petro 2:24

Iye akatakura amene zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuzvivi, tiraramire zvakarurama: iye wamakaporeswa namavanga ake.