Johane 5:28-29

Musashamiswa naizvozvo: nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake, Vachabuda;

avo vakaita zvakanaka, kukumuka kweupenyu; avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwekutongwa.


Kuchauya zuva apo mumwe nemumwe wedu, angave Mukristu kana chimwe, achaona chaizvo izvo zviri kuseri kwechidzitiro chenguva. Bhaibheri rinovimbisa Hupenyu Husingaperi kune vamwe, uye kune vamwe, rinovimbisa kutongwa. Munhu wese munhoroondo yese zvirokwazvo akambozvibvunzawo mubvunzo uyu, “Chii chichaitika kwandiri kana ndafa?”

Kare-kare kusati kwambova neBhaibheri rekuverenga, muporofita Jobho akatarisa zvisikwa. Akataura pamusoro petariro yemuti, kuti waitemerwa pasi sei wofa, asi nemumunhuwi wemvura, unobukira zvakare kuupenyu wotungira patsva. Jobho waiziva kuti munhu, semuti, aizomuka zvakare kuhupenyu:

Kana munhu achinga afa, ungararamazve here? ndaimirira hangu mazuva ese ekutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.

Maizodana, ini ndikakupindurai: maishuva basa ramaoko enyu.

Asi zvino munoverenga nhambwe dzangu: hamucherechedze chivi changu here? (Jobho 14:14-16)

Jobho angange aisava neBhaibheri rekuverenga, asi aiziva kuti nerimwe zuva Mwari vaizomumutsa kubva mubwiro apo Mudzikinuri wevanhu anouya.

Haiwa dai mashoko angu ainyorwa zvino! haiwa dai ainyorwa mubhuku!

Dai aitemwa nepeni yedare nemutobvu aitemwa padombo nekusingaperi.

Asi ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achasimuka panyika:

Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndiine nyama yangu: (Jobho 19:23-26)

Muporofita waitaura pamusoro paIshe Jesu nerumuko rwevanhu vaKe. Kubudikidza nechizaruro Jobho waiziva kuti kunyange mitumbi yedu ingaparara, Jesu achadzoreredza nyama yedu. Uye nemeso edu, tichaona Kuuya kwaKe. Vanhu vese vaMwari vanoshuva kuona zuva guru iroro.

Zvisinei, sekungovapo kuri Mwari, kuna dhiyabhorosiwo zvakare; uye sekungovapo kweDenga, kune gehenawo zvakare. Mibhadharo yacho yakakura kupfuura zvatingafungira. MuApostora Pauro akati, “Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, ndizvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda.” (I VaKorinte. 2:9)

Pfungwa dzedu hadzigoni kufunga nezvekubwinya kuchange kuri Kudenga, kana kufunga kutyisa kwegehena. Jesu wakatiudza kuti gehena rakaisvoipa zvekuti zvingave nane dai imwe nhengo yemutumbi wedu yaidamburwa pane kupinda njodzi yekuenda kunzvimbo yakaipisisa iyoyo.

Kana ruoko rwako ruchikugumbusa, urwugure: zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema, pakuenda mugehena, mumoto usingadzimwi unamaoko maviri: (Marko 9:43)

Saka ndiani achaenda Kudenga? Uye ndiani achaenda kugehena? Ipfungwa inosuwisa, asi Jesu akati vanhu vazhinji havazogamuchiri mubairo waAri kuda kupa: Pindai nesuwo rakamanikana: nokuti suwo rakafara, uye nzira yakapamhamha, inoenda kukuparadzwa, vanopinda naro vazhinji: Nekuti suwo rakamanikana, nenzira inhete, inoenda kuupenyu, vanoiwana vashoma. (Mateo 7:13-14)

Jesu zvakarewo akati, Havazi vese vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwekudenga; asi anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? nekudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? nekuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena, handina kutongokuzivai: ibvai kwandiri, imi vaiti vekusarurama. (Mateo 7:21-23)

Nekungoti munhu anozviti Mukristu hazvirevi kuti akaponeswa. Saka, ndiwo mubvunzo wagara uri mupfungwa dzedu: Ndinogamuchira sei Hupenyu Husingaperi? Jesu akatipa mhinduro iri nyore kwazvo: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anonzwa shoko rangu, nokutenda wakandituma, ane hupenyu husingaperi, haauyi mukutongwa; asi wabva murufu waenda muhupenyu. (Johane 5:24)

Zvinosuwisa, kuti pane vanhu vashoma munyika nhasi vakazvipira kutora nguva yavo kubva mumazuva avo ane bishapisha kuti vanzwe Shoko raMwari. Uye patori nevashoma kudarika ivavo vachatenda Shoko racho pavanenge varinzwa.

Machechi anotiudza kuti uve munhu akanaka, kufunga zvakanaka, usanyepa, kubirira, kana kuba, zvino tichaenda Kudenga. Havanzwisisi kuti gehena richange rizere nevanhu vanoita sevanorarama hupenyu hwakanaka. Chokwadi ndechekuti hatisi kuenda Kudenga nekuda kwezviito zvedu zvakanaka kana nekuti tiri nhengo yeimwe chechi. Pane nzira imwe chete kuHupenyu Husingaperi, inova kubudikidza naJesu Kristu. Akatiraira kuti tinofanira KUTENDA Shoko raKe, rinova Bhaibheri. Zvikasadaro, tingazoponeswa sei?

Zuva rekutongwa parichakuvinga, uchanzwa here, “Uyai, imi makaropafadzwa naBaba vangu, mugare nhaka youshe hwakagadzirirwa imi kubva pakuvamba kwenyika,” (Mateo 25:34) kana kuti uchanzwa here, “Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumoto usingaperi, wakagadzirirwa dhiyabhorosi nengirozi dzake”? (Mateo 25:41)

Maziso ako paaverenga mashoko aya, une sarudzo yekutora: Uchasarudza kutenda Shoko raMwari here?

Uchagarepi muhupenyu husingaperi?







Tsigiro

Jobho 14:12-16

Saizvovo munhu anovata pasi, akasamukazve: havazomukizve, kusvikira denga rapera, havangamutswi pahope dzavo.

Haiwa dai muchindivanza henyu pasheori, muchindichengeta pakahwanda, kusvikira hasha dzenyu dzapfuura, munditemere nguva yakatarwa, yamungandirangarira nayo!

Kana munhu achinge afa, ungararamazve here? ndaimirira hangu mazuva ose okutambudzika kwangu, kusvikira kusunungurwa kwangu kuchisvika.

Maizodana, ini ndikakupindurai: maishuva basa ramaoko enyu.

Asi zvino munoverenga nhambwe dzangu: hamucherechedze chivi changu here?

Jobho 19:23-26

Haiwa dai mashoko angu ainyorwa zvino! haiwa dai ainyorwa pabhuku!

Dai aitemwa nepeni yedare nemutobvu aitemwa padombo nekusingaperi!

Asi ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira uchasimuka panyika:

Kunyange ganda rangu richinge raparadzwa saizvozvo, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari ndiine nyama yangu:

Mateo 7:21-23

Havazi vese vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwekudenga; asi vanoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro, Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? nekudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? nekuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here?

Zvino ndichavaudza pachena, Handina kutongokuzivai: ibvai kwandiri, imi vaiti vekusarurama.

Mateo 22:14

Nokuti vazhinji vakadanwa, asi vakasanangurwa vashoma.

Johane 3:16-17

Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani anotenda kwaari arege kufa, asi ave nehupenyu husingaperi.

Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika kuti atonge nyika; asi kuti nyika iponeswe naye.

Johane 5:24

Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, Anonzwa shoko rangu, nokutenda wakandituma, ane hupenyu husingaperi, haauyi mukutongwa; asi wabva murufu waenda kuupenyu.

I VaKorinte 2:9

Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi, Izvo zvisina kuonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, ndizvo Mwari zvaakagadzirira avo vanomuda.

I VaTesaronika 4:13-18

Zvino hama dzangu, handidi kuti mushaiwe ruzivo, pamusoro pevavete, kuti murege kuchema, savamwe vasina tariro.

Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa akamukazve, saizvozvowo avo vakavata muna Jesu Mwari achavauyisa pamwe chete naye.

Nekuti tinokuudzai neshoko raShe, kuti isu vapenyu vakasara kusvikira pakuuya kwaShe hatingatongodzivisi vakavata.

Nokuti Ishe amene achaburuka kudenga nokudanidzira, nenzwi remutumwa mukuru, nehwamanda yaMwari: vakafa muna Kristu vachatanga kumuka:

Zvino isu vapenyu vakasara tichatorwa pamwe chete navo mumakore, kuti tichingamidze Ishe mudenga: naizvozvo tichava naShe nguva dzose.

Naizvozvo nyaradzanai namashoko aya.