Muporofita?



MuBhaibheri, Mwari akagara achiunza Mharidzo yaKe kuvanhu vepanyika kubudikidza nemuporofita wechizvarwa. Akataura kunaMosesi nemugwenzi raipfuta ndokumupa rairo yekutungamirira VaHebheru kubuda muEgipita. Shongwe yeMoto yaioneka nezvimwe zviratidzo zvakapiwa kusimbisa shumiro yake. Johane Mubhabhatidzi akaunza Mharidzo kugadzirira nyika kuitira kuuya kwaMhesiya. Ari pakati pekubhabhatidza Ishe Jesu muRwizi Jorodhani, Inzwi rakabva Kudenga rakasimbisa kutumwa kwaJohane kwekuzivisa Gwayana raMwari, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu anodikanwa, wandinofarira.” Mushure memakore, Inzwi raShe rakanzwikwa zvakare richitaura kumuporofita paAkataura naPauro kubudikidza neChiedza chaipofomadza, mushure mazvo ndokuzomupa rairo yekuisa machechi muhurongwa. MuTestamente Itsva neYakare, Mwari haana kumbobvira ataura kuvanhu vaKe kubudikidza nehurongwa hwesangano kana sangano rezvinamato. Akagara achitaura kuvanhu kubudikidza nemunhu mumwe chete: muporofita waKe. Zvino Akasimbisa vaporofita ava nezviratidzo zvemweya.

Asi ko nhasi? Mwari achiri kuzarura Shoko raKe kuvaporofita here? Kuchiine zviratidzo zvemweya here? Mwari angatumire here muporofita wezuva rechimanjemanje munyika? Mhinduro ndeyokuti zvirokwazvo, “Hongu!”

Asi ko tingazive sei kana muporofita auya? Achataridzika sei? Achazvibata sei? Achatipa chiratidzo chakaita sei? Achazadzikisa Magwaro api?

Vaporofita vakare vaiva varume mhare vaMwari, uye vaisatya kumira vachipikisa masangano ezvinamato. Chaizvo, vaitogara vakashoropodzwa nevakuru vezvinamato. Eria akapikisa masangano ezvinamato muzuva rake, achivabvunza kuti Mwari vaizoremekedza chipiriso chavo here, kana chake. Vakadanidzira. Vakaporofita. Vakasvetukira pamusoro peartari. Vakazvicheka nemapanga. Asi Mwari haana kuvanzwa. Eria akatarisa Kudenga akati, “Ngakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mwari pakati peIsraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarairwa nemi.” Ipapo akadana moto kubva Kudenga kuti uzopedza chipiriso. Muporofita Mikaya akapikisa Mambo weIsraeri, nevaprisita vose, paakatsiura Muprisita Mukuru Zedhekia nokuda kwekuporofita nhema. Muprisita Mukuru akamurova mbama kumeso uye Mambo akamuisa mutirongo nechikonzero chekutaura chokwadi. Kunyange Ishe Jesu vakavengwa zvikuru nemasangano ezvinamato zvezuva raKe zvekuti vakamuroverera pamuchinjikwa pamwe nemakororo akaipisisa. Kana nhoroondo ichitaura chokwadi, muporofita anovengwa nehurongwa hwemasangano echimanjemanje, zvino ainzi munhu anotenda zvakatsauka, muporofita wenhema, kana zvakaipa kupfuura izvozvo. Asi Mwari vaimira nemuranda waVo.

Dai paiva nemuporofita muzuva rino rechimanjemanje, aigamuchirwa sei neChechi yeKatorike? Chechi yeBaptist? Chechi yeLutherani? Sangano ripi zvaro?

Ishe Jesu vakaraira vose avo vanoVatenda: “Zviratidzo izvi zvichatevera avo vanotenda; Vachadzinga mweya yakaipa nezita rangu; vachataura nendimi itsva; Vachabata nyoka; kunyangwe vakanwa chinhu chinouraya, hachingavarwadzi; vachaisa maoko pamusoro pavarwere, uye vachapora.” (Marko 16:17-18). Gwaro iri richiri chokwadi here nhasi uno? Kana risiri chokwadi, zvino Mashoko aJehovha akapera basa riini? Mubhaibheri rese, vaporofita vaigona kupodza varwere, kudzinga madhimoni, nekuita zvishamiso. Mosesi akaisa nyoka yendarira pamberi pevanhu veIsraeri kuti vapore kubva pakurumwa nenyoka dzine uturu (Numeri 21:9). Naamani, muSiria ane masimba, akauya kunaErisha kuzopodzwa maperembudzi (II Madzimambo 5:9). Mujaya paakadonha kubva pahwindo repadenga akafa, muapostora Pauro akamumbundira ndokudzosa upenyu muchitunha (Mabasa AvaApostora 20:10). Tingori nenhoroondo yemakore angaita 3½ ehupenyu hwaShe Jesu, asi mumakore mashoma iwayo, Aingogara achipodza varwere. Mapofu akaitwa kuti aone. Vane maperembudzi vakaporeswa. Matsi dzikagamuchira kunzwa kwadzo. Mhetamakumbo dzikafamba. Mhando yose yeurwere yakapora (Mateo 4:23).

Mwari akasimbisawo vaporofita vaKe nedzimwe nzira dzisiri kupodza. Kunyange zvakavanzika zvemoyo zvaiziviswa kuvanhu vaMwari ava. Mambo Nebhukadnezari akava nehope dzaishungurudza, asi haana kugona kurangarira kuti dzaiva dzei. Muporofita Dhanieri akaudza mambo zvose hope nechiporofita chaitevera (Dhanieri 2:28). Hapana chakavanzika kuna Soromoni Mambokadzi weShebha pakauya mberi kwake. Akanga akazara neMweya zvekuti akatoudza mudzimai mibvunzo yaiva mumoyo make asati aibvunza (I Madzimambo 10:3). Erisha akataurira Mambo weIsraeri hurongwa hwese hwaMambo weSiria, kunyange kusvika kumashoko akavanzika aitaurwa mukamuri yake yemukati (II Madzimambo 6:12).

Kubudikidza nezviito zvaKe, Ishe Jesu akaratidza kuti Mweya uyu wekunzvera Mweya waKristu. Akanzvera hunhu hwaNatanaeri paAkati, “Tarirai muIsraeri wazvokwadi, asina kunyengera maari!” Jesu wakaenderera mberi nekuudza Natanaeri kwaaiva apo Firipi akamuudza pamusoro paMesiya (Johane 1:48). Paakaona kuti Jesu aiziva moyo wake, Natanaeri akabva aMucherechedza kamwe-kamwe kuti ndiKristu. Kekutanga Jesu paakaona Petro, Akamuudza zita rababa vake, Jonasi (John 1:42). Petro zvadaro akasiya zvese ndokutevera Jesu upenyu hwake hwese. Jesu akasangana nemudzimai weSamaria patsime ndokumuudza zvivi zvake zvaakanga aita. Mashoko ake ekutanga aiva ekuti, “Changamire, ndinoona kuti muri muporofita” (Johane 4:19). Vanhu vatatu ava vairarama hupenyu hwakasiyana vachibva kwakatosiyana, asi pakarepo vakabva vangocherechedza Jesu paAkaratidza chipo chake chekunzvera.

Chipo ichi chakanyangarika pakanyorwa peji yekupedzisira yeBhaibheri here? Kana zvishamiso izvi zvakanyatsonyorwa zviri pachena muBhaibheri, zviripi nhasi uno? Muporofita wezuva rino rechimanjemanje zvirokwazvo anofanirwa kusimbiswa nezvishamiso.

Mwari akanganwa vanhu vaKe here? Achiri kugona kupodza varwere here? Achiri kutaura nesu kubudikidza nevaporofita vaKe here? Pane mumwe here wevaporofita akafanoona zuva rino?

Pane here zviporofita zvichiri kufanira kuzadzikiswa?