Vimbiso YeMuporofita Mumazuva Ekupedzisira



Mashoko chaiwo ekupedzisira akanyorwa muTestamende Yakare anopa vimbiso iyi: “Tarirai, ndichakutumirai muporofita Eria zuva iro guru raJEHOVHA rinotyisa risati rasvika: Iye uchadzorera mwoyo wemadzibaba kuvana, nemwoyo wevana kumadzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.” (Maraki 4:5-6)

Zuva guru rinotyisa raJehovha harisati rasvika, saka tinofanira kutsvaga muporofita Eria takaperera. Mubhaibheri, vaporofita havana kuuya kumasangano makuru ezvinamato. Vakauya kuvasanangurwa vashoma bedzi. Fungai kuti dai muporofita waMaraki 4 akatouya, akasazivikanwa. Ko kana akaita sevaporofita vakare, uye paine vanhu vashoma vanomucherechedza? Kana muporofita uyu ari kuzodzoka muzuva rekuguma, ko tichamuziva sei? Mhinduro inonyatsowanikwa zvakajeka muMagwaro. Achava nehunhu hwemuporofita. Achaziva zvakavanzika zvemoyo. Achaita zvishamiso. Masangano ezvinamato achaedza kumushayisa maturo. Asi pachava nevasanangurwa vashoma vachamucherechedza semutumwa akavimbiswa wezuva iroro.

Tichaziva sei Eria paachadzoka? Hunhu hwakadii hwaacharatidza kuti tikwanise kumucherechedza?

Eria aiva munhu wemurenje. Zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvaitevera shumiro yake. Akaparidza achipesana nezvakaipa zvezuva rake. Akanyanyoparidza achipesana nekuora kwetsika dzaMambokadzi Jezebheri. Eria paakatakurwa Kudenga mungoro yemoto, mweya wake wakawira panaErisha. Zviratidzo nezvishamiso zvikuru zvakatevera shumiro yaErisha, uyewo akaparidza achipikisana nezvivi zvenyika. Vose vaporofita vaviri ava vakamira voga vachipesana nemasangano ezvinamato ezuva iroro. Mazana emakore mushure macho, mweya mumwe chete wakadzoka panyika munaJohane Mubhabhatidzi. Muporofita Maraki akafanoreva kuti Eria aizodzoka kuzozivisa Ishe: “Tarirai, ndinotuma nhume yangu, iye uchagadzirira nzira yangu pamberi pangu…” (Maraki 3:1). Johane Mubhabhatidzi ainge akatendeka pane zvaidiwa sezvo akadanidzira kutendeuka pakati pevana vaMwari. SaEria, akaparidza achipesana namambo nemasangano ezvinamato echimanjemanje. Ishe Jesu vakatsinhira kuti Johane Mubhabhatidzi aiva muporofita waMaraki 3 muBhuku raMateo (11:10): “Nokuti ndiye, wakanyorwa pamusoro pake zvichinzi, Tarirai, ndinotuma mutumwa wangu pamberi pako, achakugadzirira nzira yako pamberi pako.” Ruka 1:17 inotaura kuti mweya waEria (Eriya) waizova munaJohane Mubhabhatidzi, “Uchafamba pamberi pake nemweya nesimba raEria, kuti adzorere mwoyo yemadzibaba kuvana.” Asi cherechedzai kuti chikamu chepiri chaMaraki 4 changa chisati chazadzikiswa: “…nemwoyo wevana kumadzibaba avo, kuti ndirege kuuya ndirove nyika nokutuka.” Chikamu ichocho cheGwaro chichazadziswa Kuuya kwePiri kwaKristu kusati kwasvika.

Zviuru zviviri zvemakore apfuura mushure maJohane Mubhabhatidzi, yava nguva zvakare yekuti mweya waEria uchidzoka panyika zvakare.

Zuva riye rasvika! Muzera rino, takaona mweya waEria uchidzoka. Akapikisa hurongwa hwechimanjemanje hwemasangano. Akapikisana nezvivi zvenyika. Akaratidza mashura nezviratidzo zvisingaverengeki. Akaparidza Bhaibheri sezvariri kubva kunaGenesi kusvika kunaZvakazarurwa. Muporofita waMaraki 4 akauya sezvakavimbiswa, uye akaunza Mharidzo kubva paChigaro chaMwari Samasimba. Zita remuporofita iyeye ndiWilliam Marrion Branham. Tinomuti “Hama Branham.”

“William Branham, wandakada ndikatenda kuti muporofita waMwari.”

Oral Roberts, muvhangeri anozivikanwa pasi rose uye muvambi we Oral Roberts University.

“William Branham akauya kwatiri semuporofita waMwari ndokutaridza isu muchizvarwa chekupedzisira chaizvo zvinhu zvimwe chete zvatakaratidzwa muEvhangeri… Mwari ashanyira vanhu vaKe, nokuti muporofita mukuru asimuka pakati pedu.”

Dr. T.L. Osborn, muvhangeri wePentecosti uye munyori mukuru

“Asati anamatira munhu, airondedzera umboo hwakananga maererano neurwere hwemunhu wacho, uye zvekare nhoroondo yeupenyu hwavo – muguta mavanobva, zvavanobata, zviito – kunyange kudzoka kusvika kuhwana huduku hwavo. Branham haana kumbobvira apotsa neshoko rezivo munguva dzese dzandaiva naye. Zvinosanganisira, kwandiri, zviuru zvezviitiko.”

Ern Baxter, muvhangeri, mutungamiri weMisangano yaBranham kwemakore manomwe, uye mumwe wevatungamiriri vekutanga veBritish New Church Movement.

Kubvira Ishe Jesu Kristu vafamba panyika pano hapana munhu ati azunguza nyika ino nenzira inoshamisa kudai. Kubva kumavambo akazvininipisa muimba yematanda ine kamuri imwe chete muzvikomo zveKentucky, kusvika kuAmarillo Texas uko Ishe vakamutora kuenda kuMusha, hupenyu hwake hwaigara hwakazara zviitiko zvemweya. Pakuraira kweNgirozi yaJehovha muna 1946, shumiro yeHama Branham yakaita moto wakatungidza nguva yembuserere huru dzekupodzwa dzakatekeshera muAmerica nekutendera pasi rose. Kusvika nhasi, anoremekedzwa nevanoronda nhoroondo yeChikristu sa “baba” kana “muvambi” wembuserere yekupodzwa yekuma 1950 yakashandura Chechi yePentecosti uye pakupedzisira yakasimudzira kufamba kweCharismatic, uko kunopa runziro potse kumasangano ose echiProtestant. Zvisinei, setsika yavo, masangano anochepesa dzidziso dzake nekuramba kutumwa kwake.

Kwese kwavaienda, Mwari akaratidza kuti Hama Branham ndivo muporofita kuchizvarwa chino. SaJobho, Mwari akataura navo muchamupupuri. SaMosesi, Shongwe yeMoto yakaonekwa ichivatungamira. SaMikaya, akashoropodzwa nevakuru vezvinamato. SaEria, aiva murume wemurenje. SaJeremia, akatumwa neNgirozi. SaDhanieri, akaona zviratidzo pamusoro pezvaizoitika. SaIshe Jesu, aiziva zvakavanzika zvemoyo. Uye saPauro, aipodza varwere.

Ishe ashanyira vanhu vake zvakare kubudikidza nemuporofita. Munguva yakaipisisa munhoroondo, apo hunhu hwevanhu hwaderera kupfuura zvati zvamboonekwa nezvombo zvekuparadza nepakuru zvakarembera mumatenga, munhu akazvininipisa akatumwa kubva muhupo hwaMwari kuzodana rudzi rwoparara kuti rwutendeuke.

Mudzidzi anodikanwa Johane akanyora pamusoro paIshe Jesu:

Zvimwe zvizhinji zviripo zvakaitwawo naJesu, zvekuti, kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyange nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa. Ameni. (Johane 21:25).

Zvimwe chete zvinogona kutaurwa pamusoro pehupenyu hwaHama Branham. Pane mharidzo dzakarekodhwa dzinoraudzira 1,200 dzine zviuru zvenyaya pamusoro pehupenyu hwemurume mhare uyu. Asi zvakadaro tinoramba tichinzwa zvapupu zvitsva pamusoro perunziro yake pahupenyu hwemamiriyoni evanhu. Kabhuku aka hakaimbokwanisa kubuditsa chidimbu cherunziro iyo murume uyu waMwari akava nayo panyika.