Makore Ehujaya



Muhupenyu hwavo hwose, Hama Branham vaishuvira kunge vari murenje. Vave nemakore 18, vakasiya Indiana ndokuenda kumakomo ekumadokero akakwasharara. Kugara kwavo muArizona hakuna kutora nguva refu vakazomanikidzwa kuti vadzokere.

Rimwe zuva ndakafunga kuti ndakawana nzira yekubvisa kudanwa uku. Ndakanga ndiri kuenda kumadokero kunoshanda papurazi remombe. Shamwari, Mwari anongori mukuru kunze uko sezvaAri munzvimbo yese-yese. Batsirikana nezvandakapfuura nemazviri. Kana Achinge akudana, Mupindure.

Mamwe mangwanani emunaGunyana mugore ra 1927, ndakaudza amai kuti ndakanga ndiri kuenda parwendo rwekumbonogara musango kuTunnel Mill, inenge mamaera gumi nemana kubva muJeffersonville uko kwataigara panguva iyi. Ndakanga ndatoronga kare rwendo rwekuenda kuArizona nedzimwe shamwari. Zvino Amai pavakazonzwa kubva kwandiri zvakare, ndakanga ndisiri kuTunnel Mill asi kuPhoenix, Arizona, ndichitiza Mwari weRudo. Hupenyu hwepapurazi remombe hwakanga hwakanaka kwazvo kwechinguvana, asi nokukasika hwakasvika pakuchembera, semufaro wose wemunyika. Asi regai nditi pano, Mwari ngaVarumbidzwe, nokuti chiitiko chaJesu chinowedzera kutapira chichitapira nguva dzose uye hachichemberi. Jesu anopa rugare rwakakwana nokunyaradzwa nguva dzose.

Nguva zhinji ndakanzwa mhepo ichivhuvhuta nemumiti yemupine yakareba. Zvaiita sokunge ndainzwa Inzwi raKe richidana musango, richiti, “Adhama, uripi?” Nyeredzi dzaiita sokunge dziri pedyo zvokuti waikwanisa kudzitanha nemawoko ako. Mwari aiita sokunge ari pedyosa.

Chimwe chinhu pamusoro penyika iyi inzira dziri mugwenga. Kana ukangotsauka uchibva munzira, unorasika zviri nyore. Kazhinji vashanyi vanoona maruva maduku emugwenga zvino vobva vabuda munzira huru kuti vanoatanha. Vanombeya-mbeya mugwenga zvino vorasika uye dzimwe nguva vanozofa nokuda kwenyota. Ndizvo zvazviri munzira yeChikristu – Mwari vane nzira huru. Vanotaura nezvayo munaIsaya, chitsauko 35. Inonzi “Nzira yeHutsvene.” Kakawanda mifaro miduku yenyika inokutsautsa kubva munzira iyi. Zvino unobva warasikirwa nechiitiko chako naMwari. Mugwenga kana uchinge warasika, dzimwe nguva panooneka hwerazuva. Kune vanhu vari kufa nenyota, hwerazuva inenge iri rwizi kana dziva. Kakawanda vanhu vanodzimhanyira vosvikowiramo vozongoona kuti vari kungoshamba mujecha rinopisa. Dzimwe nguva dhiyabhorosi anokuratidza chimwe chinhu chaanoti inguva inofadza. Inongori hwerazuva, chimwe chinhu chisiri chechokwadi. Kana ukateerera unozongoona uchizvitutira kusuwa pamusoro wako. Usamuteerere, muverengi anodikanwa. Tenda Jesu anokupa mvura mhenyu yeavo vane nzara nenyota.

Rimwe zuva ndakawana tsamba yakabva kumba ichindiudza kuti mumwe munun’una wangu akanga ari kurwara zvikuru. Aiva Edward, mutevedzani wangu. Zvisinei handina kufunga kuti zvaive zvakaipa, nokudaro ndakatenda kuti aizoita zvakanaka. Asi mamwe manheru mazuva mashoma akatevera pandainge ndiri kubva muguta pandakapfuura nemuimba inodyirwa papurazi, ndakaona kapepa patafura. Ndakakatora. Kaiti, “Bill, uya kumafuro ekumusoro. Zvakakosha zvikuru.” Mushure mokuverenga kagwaro aka shamwari yangu neni takaenda kumafuro. Munhu wandakatanga kusangana naye aiva Lone Star ranger aishanda papurazi. Zita rake ainzi Durfy, asi isu taimuti “Pop.” Aiva nechiso chairatidza kusuwa paakati, “Billy mukomana, ndine nhau kwauri dzinosuwisa.” Panguva iyoyi foromani akauya achifamba. Vakandiudza kuti teregiramu yakanga ichangobva mukusvika, ichindiudza nezverufu rwemunun’una wangu.

Shamwari inodikanwa, kwechinguvana handina kugona kutsukunyuka. Ndirwo rwaive rufu rwekutanga mumhuri yedu. Asi ndinoda kuti chinhu chandakatanga kufunga nezvacho chaive chokuti aive here akagadzirira kufa. Pandakatendeuka ndokutarisa mafuro akatandavara aiva neruvara rweuswa hwakaoma, misodzi yakamhanya ichidzika nepamatama angu. Ndakarangarira kuti takatambura pamwe chete sei patakanga tiri vakomana vaduku uye kuti zvakanga zvakatiomera sei.

Taienda kuchikoro tisina chokudya chakakwana. Zvigunwe zvainge zvakabuda kunze kweshangu uye taipfeka majasi matsaru tovhara mabhatani kusvika kuhuro nokuti tainge tisina kupfeka mashati. Uye kuti ndakarangarirawo zvakare rimwe zuva Amai vakanga vaine maputi mugaba duku kuitira kudya kwemasikati. Takange tisingadye pamwe chete nevamwe vana vose. Takanga tisingakwanise kuva nechikafu sechavaive nacho. Taiwanzoverevedza seri kwechikomo tonodya. Ndinorangarira zuva rataiva nemaputi, taifunga kuti takanga tatobikirwa zvakanaka. Saka kuti ndive nechokwadi chokuti ndawana mugove wangu paari, ndakaenda masikati asati asvika ndokunyatsotora chanza chizere munun’una wangu asati awana mugove wake.

Zvino ndakamira ipapo ndakatarisa mafuro akanga agochwa nezuva ndakafunga pamusoro pezvinhu zvose izvi ndokufunga kana Mwari vamuendesa kunzvimbo iri nani. Zvino zvakare Mwari vakandidana, asi senguva dzose, ndakaedza kuzvirwisa.

Ndakagadzirira kuenda kumba kumariro. Apo Rev. McKinny wekuPort Fulton Church, murume akangoita sababa kwandiri, akaparidza pamariro ake akataura kuti, “Panogona kunge paine vamwe pano vasingazive Mwari, kana zvakadaro, Mugamuchirei iye zvino.” O ndakabata chigaro changu zvine simba, Mwari vakanga vari kushanda zvakare. Muverengi anodikanwa, kana Achinge adana, Mupindure.

Handife ndakakanganwa machemero akaitwa naBaba naAmai mushure memariro. Ndaida kudzokera Kumadokero asi Amai vakandigombedzera zvikuru kuti ndigare zvokuti ndakazobvuma kugara ndokunge ndagona kuwana basa. Munguva shoma ndakawana basa nePublic Service Company yeIndiana.

Kwapera angaita makore maviri pandainge ndiri kuwongorora mamita munogadzirwa mamita paGas Works muNew Albany, ndakakachidzwa negas zvino kwemasvondo rakandirwarisa. Ndakaenda kuna vanachiremba vose vandaiziva. Handina kugona kupora. Ndakarwara nemudumbu maiva namaacid, zvakakonzerwa nezvakanga zvaitwa negas. Zvakaramba zvichiwedzera kuipa nguva dzose. Ndakaendeswa kune vanamazvikokota muLouisville, Kentucky. Pakupedzisira vakati yaiva appendix yangu zvino ndokuti ndaitofanira kuoparetwa. Handina kugona kuzvitenda nokuti ndakanga ndisingarwadziwe neparutivi pangu. Vanachiremba vakati hapana zvavaigona kundiitira kusvikira ndaitwa oparesheni. Pakupedzisira ndakazobvuma kuti ndiiitwe ndokusimbisisa kuti vaise chiveve bedzi pavaizovhiya kuitira kuti ndizoona pavanenge vachiopareta.

O, ndaida mumwe munhu anoziva Mwari kuti amire pandiri. Ndaitenda mumunamato asi ndakanga ndisingakwanise kunamata. Saka mushumiri wekuFirst Baptist Church akaenda neni mukamuri yekuoparetwa.

Pavakandibvisa patafura vachindiisa pamubhedha wangu, ndakanzwa ndave kurukutika ndichiwedzera kurukutika nguva dzose. Moyo wangu wakanga worovera pasi-pasi. Ndakanzwa rufu pandiri. Kufema kwangu kwakange kwave kuenda kuchiita kupfupi nguva dzose. Ndakaziva kuti ndakanga ndasvika kumagumo enzira yangu. O shamwari mira kusvikira wasvikapo kamwe, zvino unozofunga pamusoro pezvinhu zvakawanda zvawakaita. Ndaiziva kuti handina kumbobvira ndaputa, kunwa kana kumbova nedzimwe tsika dzakasviba asi ndaiziva kuti ndakanga ndisina kugadzirira kusangana naMwari wangu.

Shamwari yangu kana ungori nhengo yechechi yakatonhora yetsika, unozoziva kana wasvika kumagumo kuti hauna kugadzirira. Saka kana zviri izvo zvoga zvaunoziva nezvaMwari wangu, ndinokukumbira ipo pano kuti upfugame ukumbire Jesu kuti akupe chiitiko icho chokubarwa patsva, sezvaAkataurira Nikodhimo munaJohane chitsauko 3, uye o zvokuti mabhero emufaro achazorira sei. Zita raKe ngarirumbidzwe.