Makore Ehujaya – Kuenderera Mberi



Kwakatanga kusviba mukamuri yemuchipatara, sekunge makanga muri musango guru. Ndainzwa mhepo ichivhuvhuta mumashizha, uye zvichiita kunge kure musango. Zvichida wakambonzwa kufuridza kwemhepo ichipeperetsa mashizha, ichiuya ichiswedera pedyo newe. Ndakafunga kuti, “Saka, urwu rufu rwuri kuuya kuzonditora.” O! Moyo wangu waizosangana naMwari, ndakaedza kunamata asi ndakatadza.

Mhepo yakaramba ichiswedera pedyo, zvine ruzha rwaiwedzera. Mashizha akapepereka kamwekamwe, ndakanga ndaenda.

Zvakaita sekunge ndakanga ndadzoka zvakare kuva kakomana kasina kupfeka shangu, ndakamira munzira iya pasi pemuti mumwe chete. Ndakanzwa Inzwi rimwe chete rakati, “Usanwe kana kuputa.” Uye mashizha andainzwa ndiwo mamwe chete aipepereka mumuti iwoyo zuva iroro.

Asi panguva ino Inzwi rakati, “Ndakakudana asi hauna kuenda.” Rakadzokorora kechitatu.

Zvadaro ndakati, “Ishe, kana muri iMi, nditenderei kudzokera zvakare panyika zvino ndichaparidza Vhangeri reNyu kubva pamusoro pedzimba nepamakona emigwagwa. Ndichaudza munhu wese pamusoro pazvo!”

Chiratidzo ichi pachakapfuura, ndakaona kuti ndanga ndisati ndambonzwa zviri nane seizvi. Chiremba wangu anga achiri muchivakwa. Akauya akanditarisa akashamisika. Akatarisa sekunge aifunga kuti ndafa, ndokubva azoti, “Handisi munhu anoenda kuchechi, basa rangu iguru kwazvo, asi ndinoziva kuti Mwari ashanyira mukomana uyu.” Sei akadaro, handizivi. Hapana munhu akanga ataura pamusoro pazvo. Dai ipapo ndaiziva zvandava kuziva zvino, ndingadai ndakasimuka kubva pamubhedha ipapo ndichidanidzira Rumbidzo kuZita raKe.

Mushure memazuva ndakatenderwa kudzokera kumba asi ndakanga ndichiri kurwara ndichimanikidzirwa kupfeka magirazi emaziso nekuda kwedambudziko remaziso. Musoro wangu waibvunda ndikatarisa chinhu chipi zvacho kwechinguva.

Ndakatanga kutsvaga kuti ndiwane Mwari. Ndakabva pachechi imwe kuenda pane imwe, ndichiedza kutsvaga nzvimbo yaiva nekudanwa kweartari kwechinyakare. Chaisuwisa ndechekuti hapana yandakawana.

Ndakati kana ndikava Mukristu, ndaizove wechokwadi wacho. Mumwe mushumiri akandinzwa ndichipa chitaurwa ichocho akati, “Zvino Billy mukomana, wave kupengereka mukunamata.” Ndakati kana dai ndikazowana chinamato, ndaida kuchinzwa pachaiuya, sezvakangoitawo vadzidzi.

Oh Zita raKe ngarirumbinzwe. Ndakawana chinamato mushure uye ndichinacho, zvino nebetsero yaKe, ndichachichengeta nguva dzose.

Umwe usiku ndakava nenzara yaMwari nechiitiko chechokwadi zvekuti ndakaenda kushedhi seri kwemba ndikaedza kunamata. Handaiziva manamatiro ipapo saka ndakangotanga kutaura naYe sezvandinongoita mumwe munhu wese. Kamwekamwe pakapinda Chiedza mushedhi chikagadzira muchinjikwa uye Inzwi rakataura kubva mumuchinjikwa rakataura kwandiri nemutauro wandaisagona kunzwisisa. Chakabva chaenda. Ndakakatyamadzwa zvekutotadza kutaura. Pandakabengenuka zvakare ndakanamata, “Ishe kana muri iMi, ndapota uyai mutaurewo neni zvakare.” Ndakanga ndichiverenga Bhaibheri rangu kubvira pandakadzoka kumba kubva kuchipatara uye ndakanga ndaverenga I Johane 4, “Vadikanwa, musatenda mweya yose, asi muidze mweya kuti muone kana yakabva kunaMwari.”

Ndakaziva kuti pane mweya wakanga wandishanyira uye pandainamata wakadzoka zvakare. Zvino zvakaita kwandiri sekunge chiuru chemapaundi chasimudzwa kubva mumoyo mangu. Ndakasvetuka ndikamhanyira kumba uye zvaiita sekunge ndaimhanya mumhepo.

Amai vakabvunza, “Bill, chii chaitika kwauri?” Ndakapindura, “Handizive asi zvirokwazvo ndinonzwa zvakanaka nekurerukirwa.” Handaigona kuramba ndiri mumba. Ndakatobuda panze kunomhanya.

Ndakabva ndaziva kuti kana Mwari achida kuti ndiparidze, Aizondipodza. Saka ndakaenda kuchechi yaitenda mukuzodza nemafuta ndikapodzwa pakarepo. Ipapo ndakaona kuti vadzidzi vaiva nechimwe chinhu chisina vashumiri vazhinji nhasi uno. Vadzidzi vakabhabhatidzwa neMweya Mutsvene nokudaro vaikwanisa kupodza varwere nekuita zvishamiso zvikuru muZita raKe. Saka ndakatanga kunamatira rubhabhatidzo rweMweya Mutsvene ndokurwuwana.

Rimwe zuva mushure memwedzi mitanhatu, Mwari akandipa chishuwo chemoyo wangu. Akataura kwandiri nemuChiedza chikuru, achindiudza kuti ndiparidze nekunamatira vanorwara uye Aizovapodza zvisinei kuti vanorwara nechirwere chipi. Ndakatanga kuparidza nekuita zvaAkandiudza kuti ndiite. O shamwari, handigone kutanga kukuudza zvose zvakaitika: Meso akapofomadzwa akazarurwa. Mhetamakumbo dzakafamba. Kenza dzakapodzwa, uye zvishamiso zvakasiyana-siyana zvakaitwa.

Rimwe zuva panoperera Spring Street, Jeffersonville, Indiana, mushure membuserere yemavhiki maviri, ndaibhabhatidza vanhu 130. Raiva zuva raipisa munaNyamavhuvhu uye paiva nevanhu vangangoita 3,000 vaivapo. Ndakanga ndoda kubhabhatidza munhu wechi 17 zvino pakarepo ndakanzwa Inzwi riya diki, rakanyararira zvakare uye rikati, “Tarisa mudenga.” Denga raiva rakaita sendarira pazuva iroro raipisa remunaNyamavhuvhu. Takanga tisina kuwana mvura yekunaya kwemavhiki matatu. Ndakanzwa Inzwi iri zvakare, uye zvakare kechitatu rakati “Tarisa mudenga.”

Ndakatarisa mudenga uye kubva muchadenga kwakauya nyeredzi huru yakajeka, yandakanga ndamboona kakawanda munguva dzapfuura asi kungoti handina kukuudzai pamusoro payo. Kakawanda kandakaudza vanhu pamusoro pekuuya kwayo zvino vaingondiseka voti, “Bill, uri kungofungidzira izvo. Kana kuti wanga uchirota.” Asi Mwari ngaarumbidzwe, panguva ino Akazviratidza pachaKe kuna vose, nokuti yakauya pedyosa neni zvekuti ndakatotadza kutaura. Mushure mekunge masekondi mashoma apfuura ndakadanidzira zvino vanhu vakawanda vakatarisa mudenga ndokuona nyeredzi ingori pamusoro pangu chaipo. Vamwe vakafenda apo vamwe vakadanidzira uye vamwe vakatiza. Zvadaro nyeredzi yakadzokera muchadenga uye panzvimbo payakanga yabva paiva pakada kukura maskweya gumi nemashanu emafiti zvino nzvimbo iyi yakaramba ichifamba nekutenderera kana kuti sekunge paiva nemasaisai aisimuka. Panzvimbo iyi pakanga paumbika kakore kachena uye nyeredzi iyi yakatambirwa mukakore aka.

SaJohane Mubhabhatidzi, muporofita uyu akasimbiswa mumvura dzeRubhabhatidzo.