Zviri pachena, rubhabhatidzo runokosha zvikuru, asi zvine basa here kuti tabhabhatidzwa sei? Pane kubhabhatidzwa chaiko here, kana kuti chero chinhu chingaita? Kana uchitenda Bhaibheri, zvino HONGU, pane rubhabhatidzo chairwo.
Machechi mazhinji anobhabhatidza muZita raBaba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene, asi izvi handizvo maererano neBhaibheri.
Muna Mabasa Avaapostora 19, paiva nevamwe vanhu vaitotenda pana Jesu Kristu nechekare, asi vakanga vasati vagamuchira Mweya Mutsvene mumoyo yavo. Muapostora Pauro aiziva nzira kwayo yekugamuchira Mweya Mutsvene, saka akavabvunza, “Ko makabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwupiko?” Vakati, “Norubhabhatidzo rwaJohane.” (Mabasa Avaapostora 19:3) Pauro akaona kuti vakanga vasina kubhabhatidzwa maererano nerairo yaPetro muna Mabasa Avaapostora 2:38, saka akavaraira kuti vabhabhatidzwe zvakare nemuZita raIshe Jesu. Zvadaro, sezvakavimbiswa, vakagamuchira Mweya Mutsvene.
Saka, sei vadzidzi vakabhabhatidza nemuZita raJesu iye Jesu, pachaKe, akavaudza kuti vabhabhatidze muZita (kwete “mazita”) raBaba, nereMwanakomana, nereMweya Mutsvene? (Mateo 28:19) Vakakanganisa here? Kwete! Vakaita chaizvo zvavakarairwa.
Pauri kuverenga chinyorwa chino, funga pamusoro pezita rako. Uri mwanakomana here? Zita rako ndi, “Mwanakomana” here? Uri amai here? Zita rako ndi, “Amai” here? Zvirokwazvo handizvo, iwayo anongova madunhurirwa. Une zita rako chairo, naMwariwo zvakare.
Heino mhinduro:
Zvino hapana kana chinhu chakadaro muBhaibheri chemunhu akambobhabhatidzwa nemuZita raBaba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene; nekuti hakuna chinhu chakadaro. Baba harisi zita; uye Mwanakomana harisi zita; neMweya Mutsvene harisi zita; asi Zita raBaba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene ndiIshe Jesu Kristu.
Jesu Kristu ndiMwari! Ndiye Baba, Mwanakomana, neMweya Mutsvene.
Kana uri kutsvaga Mweya Mutsvene uchitadza kuziva kuti sei Ishe vasati vaupa kwauri, zvino ungada kuzvibvunza mubvunzo mumwe chete wakabvunzwa naPauro, “Ko makabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwupiko?”
Tsigiro
Mateo 28:19
Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze nemuzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene:
[Zita raBaba ndiani? ReMwanakomana? ReMweya Mutsvene?]
Marko 16:16
Anotenda akabhabhatidzwa achaponeswa; asi asingatendi achatongwa.
Johane 5:43
Ndakauya nemuzita raBaba vangu, asi hamundigamuchiri: kana mumwe akasvika nezita rake amene, muchamugamuchira iye.
[Kana Akauya muZita raBaba vaKe, zvino Zita raKe ndiani?]
Johane 10:30
Ini naBaba vangu tiri mumwe.
Johane 12:45
Anondiona anoona wakandituma.
Johane 14:8-9
Firipo akati kwaari, Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana.
Jesu akati kwaari, Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hausati wandiziva here, Firipo? wandiona ini waona Baba; zvino unoreva seiko uchiti, Tiratidzei Baba?
Johane 20:27-28
Ipapo akati kuna Tomasi, Uya pano nemunwe wako, uone zvanza zvangu; uya neruoko rwako, uise murutivi rwangu: usava usingatendi, asi uchitenda.
Tomasi akapindura akati kwaari, Ishe wangu naMwari wangu.
Mabasa AvaApostora 2:38-39
Petro akati kwavari, Tendeukai, mumwe nemumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu Kristu kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa cheMweya Mutsvene.
Nokuti chipikirwa ndechenyu, nevana venyu, nevose vari kure, vanozodanwa naShe Mwari wedu.
Mabasa AvaApostora 4:12
Nokuti hakuna kuponeswa kune mumwe: nekuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.
Mabasa AvaApostora 8:12
Zvino vakati vatenda Firipo aiparidza mashoko eushe hwaMwari, nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa, varume nevakadzi.
Mabasa AvaApostora 19:3-6
Akati kwavari, Ko makabhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwupiko? Vakati, Nerubhabhatidzo rwaJohane.
Zvino Pauro akati, Johane akabhabhatidza nerubhabhatidzo rwekutendeuka, achiudza vanhu, kuti vatende kuna iye anozouya shure kwake, iye, Kristu Jesu.
Vakati vazvinzwa izvo, vakabhabhatidzwa muzita raShe Jesu.
Zvino Pauro akati aisa maoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene wakauya pamusoro pavo; vakataura nendimi, vakaporofita.
VaEfeso 4:5
Ishe mumwe, nekutenda kumwe, nerubhabhatidzo rumwe,
Vakorose 3:17
Uye zvese zvamunoita kana zviri zveshoko kana basa, itai zvese nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.
I Johane 5:7
Nokuti kune zvitatu zvinopupura kudenga, zvinoti Baba, Shoko, neMweya Mutsvene: zvino zvitatu izvi chinhu chimwe.