Genesi 3:1
Zvino nyoka yakanga inamano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJEHOVHA Mwari. Ikati kumukadzi, Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati, Regai kudya miti yese yomunda?
Genesi 3:6-7
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero wawo, akadya, akapawo murume wake pamwe naye; iye akadya.
Ipapo meso avo ivo vaviri akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha emuonde, vakazviitira nguwo.
Genesi 3:14-15
Zvino JEHOVHA Mwari akati kunyoka, Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, nekupfuura mhuka dzese dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya huruva mazuva ose ehupenyu hwako:
Zvino ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pembeu yako nembeu yake; iyo ichapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho chayo.
Ichi ndicho chivi chekutanga chakanyorwa muBhaibheri. Chisikwa chinamano kupfuura zvese, chikara, “chakanyengera” Evha mukudya chimedu chemuchero usingabvumirwe. Akaudya ndokuzoupa kumurume wake, zvakaita kuti vacherechedze kuti vakanga vasina kusimira.
Mibvunzo iri pachena ndeyekuti: Ko nyoka ingataure sei? Apurosi ringave nechii chekuita nekusasimira? Uye, mbeu yenyoka inokwana papi mune izvi zvose?
Bhaibheri rinotaura kuti nyoka yaiva “namano” kudarika mhuka dzose. Yaiva yakaita semunhu, zvokuti yaikwanisa kufamba, kutaura, uye nokuva nehurukuro ine hungwaru. Mushure mokunyengera mudzimai waAdhama, Mwari wakaituka ikava nyoka, asi kwete kuparadza kusati kwaitwa uye nembeu isati yadyarwa.
Bhaibheri rinotaura munaGenesi 3:15 kuti nyoka yaiva nembeu, zvino Mwari akaisa ruvengo pakati pembeu mbiri idzi. Zviri pachena, kuti mbeu yenyoka yakasangana nembeu yepanyama yaEvha pasati pava nekupatsanurwa. Ko zvese izvi zvingagokonzerwa nekudya apurosi sei? Zvadaro, mavhesi mashoma akatevera, “Adhama akadana mudzimai wake kuti Evha; nokuti ndiye amai wavose vanorarama.” Cherechedzai kuti hariti Adhama aiva baba wavose vanorarama.
Pane “michero” yakasiyana-siyana muBhaibheri. Hongu, pane muchero chaiwo, seapurosi, rinokura rodyiwa sechikafu. Panewo muchero unoreva mabasa edu, angave mabasa epanyama sekurima nebhizimu, kana mabasa emweya sekuita zvishamiso nekuparidza Vhangeri. Zvino, panozoita muchero wechibereko, unoreva kubata mimba nekusununguka mwana.
Kudya muchero chaiwo kungapa Adhama naEvha kunzwisisa kwekuti vakanga vasina kusimira here? Kana kuti, kungatora ukama hwepanyama pakati pemurume nemudzimai kuti vese vanzwisise kuti sei vachifanira kufukidza nhengo dzakatsaurwa dzemitumbi yavo?
Chii chakanyatsoitika zuva riye muBindu kuti rudzi rwose rwevanhu rwugowa?
Sezvo Mbeu yemudzimai yaiva Mwari achizvibereka pachaKe munyama yevanhu, saizvozvo mbeu yenyoka ndiyo nzira chaiyo iyo Satani akaona kuti aikwanisa kuzvizarurira mukova murudzi rwavanhu. Zvaisagoneka kuti Satani (nokuti iye angori munhu-mweya AKASIKWA) azvibereke nenzira iyo Mwari aiZvibereka nayo, saka chiitiko chemuna Genesi chinoreva kuunza kwaakaita mbeu yake nekuzviunza kana kuzvipinza murudzi rwevanhu. Zvakare rangarirai kuti Satani anonzi “nyoka.” Imbeu yake kana kuti kuzvipinza kwake murudzi rwevanhu kwatiri kutaura nezvako.
Adhama asati ambova neruzivo rwepanyama rwaEvha, nyoka yakava neruzivo urwu mberi kwake. Uye mwana wayo ndiKaini. Kaini aiva uyo (akabarwa, akaberekwa) ne “Wakaipa,”
I Johane 3:12
…Chokwadi chenyaya ndechekuti Evha aiva nevanakomana VAVIRI mumimba yake (mapatya) kubva kumbeu DZAKASIYANA. Aiva akatakura mapatya, nemimba yaKaini yaAbheri isati yabata.
Tsigiro
Genesi 3:6-7
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero wawo, akadya, akapawo murume wake pamwe naye; iye akadya.
Ipapo meso avo ivo vaviri akasvinudzwa, vakaziva kuti havana kusimira; vakasonanidza mashizha emuonde; vakazviitira nguwo.
[Vaigoziva sei kuti havana kusimira nekungodya chimedu chemuchero?]
Genesi 3:13-15
JEHOVHA Mwari akati kumukadzi, Chinyiko chawaita? Mukadzi akati, Nyoka yandinyengera, ndikadya.
JEHOVHA Mwari akati kunyoka, Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, nokupfuura mhuka dzese dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya huruva mazuva ose ehupenyu hwako:
Ndichaisa ruvengo pakati pako nemukadzi, nepakati pembeu yako nembeu yake; iyo ichapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho chayo.
[Chikara chaiva nembeu. Zviri pachena kuti, izvi hazvirevi nyoka.]
Genesi 3:20
Adhama akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha; nokuti ndiye mai vevapenyu vose.
[Sei Adhama asiri kudanwa kunzi baba vevapenyu vose?]
Genesi 4:1-2
Zvino Adhama akaziva mukadzi wake Evha; iye ndokutora mimba, akapona Kaini, akati, Ndawana munhu ndichibatsirwa naJEHOVHA.
Akaponazve munin’ina wake Abheri. Abheri wakanga ari mufudzi wamakwai, asi Kaini wakanga ari murimi wevhu.
[Hupenyu hwese hunobva kuna Mwari, zvisinei kuti hwauya nehupombwe kana kwete. Satani haagone kusika hupenyu.]
Ruka 3:38
Aiva mwanakomana waEnosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhama, mwanakomana waMwari.
[Kaini dangwe murudzi rwaAdhama uripi?]
I Johane 3:12
Tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akauraya munin’ina wake. Wakamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi emunin’ina wake akanga akarurama.
[Mwari vakasika Adhama ari mumufananidzo waVo. Ko huipi hwaKaini hwakabvepi, uye kururama kwaAbheri kwakabvepi? Hunhu hwavo vakahuwana kubva kumadzibaba avo.]
Judhasi 1:14
Enoki zvakare, wechinomwe kubva kuna Adhama, akaporofita ivava, achiti, Tarira, Ishe wakauya navatsvene vake vane zviuru gumi,
[Hapana muBhaibheri apo Kaini paari mudzinza raAdhama.]