Mavambo



“Pandakazvarwa mukamba kaduku kematanda muKentucky kumusoro uko, Mutumwa waJehovha akapinda nepafasitera ndokumira ipapo. Paiva neShongwe yeMoto.”

Hutonga hwakanga hotanga kuoneka murima raive muchadenga chaKubvumbi waitonhorera. Fasitera rimwe chete, rakazaruka kuti ripinze chiedza chamangwanani mukamba kaduku kematanda kaiva kamuri imwe chete. Kadhimba kaiva kamire pedyo nefasitera kaiita sokunge kaiva nomufaro wakawedzerwa mangwanani aya uye kachiimba nesimba rako rose. Mukati mekamba, Charles Branham wechidiki akaisa maoko ake muhovhorosi yake itsva ndokutarisa pasi kumudzimai wake aiva nemakore gumi nemashanu okuberekwa. “Tichamutumidza zita rokuti William,” baba vakadaro.

Nemufasitera kwakapinda Chiedza chemweya. Chiedza chakafamba nemukamuri ndokumira chiri pamusoro pemubhedha paive pachangozvarwa mwana. Ichi ndicho chaiva Chiedza chimwe chete chakabuditsa vana veChihebheru kubva muEgipita. Ndicho chaiva Chiedza chimwe chete chakasangana naPauro munzira yake yokuenda kuDhamasiko. Zvino Chakanga chichizoenda mberi kutungamirira mucheche muduku uyu kuzodana Mwenga waKristu kubva munyika. Chiedza ichi ndicho chaiva uya Mutumwa waJehovha, Shongwe yeMoto; zvino Chakanga chaoneka zvakare kuvanhu.

Zvino imomo, mukamba aka kaduku kematanda, mangwanani aya a 6 Kubvumbi, nyamukuta akazarura fasitera kuitira kuti chiedza chipinde mukati kuti Amai naBaba vaone zvandaive ndakaita. Zvino Chiedza chakakura kuda sepiro chakauya ndokupinda nepafasitera. Chakatenderera pandaive, ndokudzika pamubhedha. Paiva nevanhu vakati kuti vekumakomo vaive vakamira ipapo. Vakange vachichema.

Musha wakazvininipisa uyu waive muzvikomo zvezasi kweKentucky, pedyo neguta duku reBurkesville. Zuva racho raive Kubvumbi 6, 1909. Mwana uyu ndiye aive dangwe pavana gumi vaizoberekwa naCharles naElla Branham.

Hapana kutora nguva refu Mutumwa waJehovha akashanyira William Branham muduku zvakare.

Paaive mwana muduku, Mutumwa akataura naye kekutanga, achiti aizogara hupenyu hwake pedyo neguta rinonzi New Albany. Akapinda mumba ndokuudza amai vake zvakange zvichangoitika. Saamai vose, havana kufunga zvakawanda pamusoro penyaya iyi ndokumuradzika mumubhedha kuti vadzikamise hana yake duku. Makore maviri akatevera, mhuri yake yakatamira kuJeffersonville Indiana, ingori mamaera mashoma kubva kuguta rezasi remuIndiana reNew Albany.

Mutumwa akataura zvakare nemuporofita muduku makore mashoma akatevera. Raive zuva rakanyarara remunaGunyana apo zuva raidziya raivheneka nemumashizha emumatsutso aiva nemavara. Mujaya muduku akanga achigamhina paainge akatakura migomo miviri yemvura achidzika nekanzira. Chigurinhwa chaive chakasungirirwa pasi pechigunwe chake chikuru chaive chakakuvara kuti chisapinde mavhu. Akagara pasi kuti azorore mumumvuri wemuti wemupoplar waive wakareba. Misodzi yaiyerera kubva mumaziso ake paaingunochema nokuda kwedambudziko rake: shamwari dzake dzakanga dziri kunakidzwa dziri pachidziva chekuraura chemunharaunda, zvino akanga abatikana achitakurira baba vake mvura. Pakarepo, mhepo yakatanga kuvhuvhuta mumuti pamusoro pake. Akapukuta meso ake ndokumira netsoka dzake. Akanzwa ruzha rwemashizha achipeperetswa nemhepo…asi pakanga pasina mhepo. Akatarisa kumusoro, uye zvingaita nechepakati pemuti wemupoplar, pane chinhu chaipeperetsa mashizha aive akaoma.

Pakarepo Inzwi rakataura, “Usanwe kana kuputa kana kusvibisa muviri wako neipi nzira, pachava nebasa rauchazoita kana wakura.” Mukomana wemakore manomwe akanga avhundutswa akakandira pasi zvirongo zvake ndokumhanyira kuna amai vake.

Samuporofita Samueri, Mwari vakanga zvakare vataura nemwana.

Masvondo mashoma akatevera, aitamba nematombo nemunun’una wake. Mamwe manzwiro asinganzwisisike akauya paari. Akatarisa kwaive neOhio River ndokuona zambuko rakaisvonaka. Varume gumi nevatanhatu vakawa ndokufa apo zambuko iri rainge richitandika rwizi. Muporofita wechidiki akanga aona chiratidzo chake chokutanga. Akaudza amai vake, zvino ivo ndokunyora pasi nyaya yake. Makore akatevera, varume 16 vakawa ndokufa apo zambuko reSecond Street muLouisville, Kentucky rakanga riri kuvakwa paOhio River.

Ishe vakanga vari kumuratidza zviratidzo zvemunguva yaizouya. Uye sevaporofita vakamutangira, zviratidzo hazvina kumbokundika.