KUSHANYIRWA NENGIROZI



Zviratidzo zvakaenderera mberi. Akaudzwa nevamwe vaaishumira navo kuti zviratidzo zvake zvaisabva kuna Mwari. Akaudzwa kunzi akanga akagarwa nemweya wakaipa. Izvi zvakamushungurudza zvikuru. Mutoro wacho wakazonyanya kumuremera, saka akaenda murenje kundotsvaga Kuda kwaMwari. Ainge akazvipira zvekuti akanga atsidza kusadzoka asina mhinduro. Zvino ipapo, muimba yemapuranga maigara vateyi, Ngirozi yaJehovha yakamupa kutumwa kwake. Pakati pezvimwe zvinhu, Ngirozi yakamuudza izvi: “Ukaita kuti vanhu vakutende, uye woperera paunonamata, hapana chichamira mberi kweminamato yako, kunyange kenza.”

Kupokana kwese kwakange kwaenda. Aiva zvino nebasa raakatumwa akafambira mberi zvakashinga. Rumutsiriro rwekupodza rwakanga rwatanga.

Mazana ezviuru akauya kumisangano yaBranham. Zviuru zvakapodzwa muZita raIshe Jesu Kristu. Vamwe vavhangeri sevanaOral Roberts, T.L. Osborn, naA.A. Allen nenguva pfupi vakatevera Hama Branham ndokutangawo rumutsiriro rwavo rwekupodza. Jehovha vakanayisa maropafadzo avo sezvanga zvisati zvamboitika. Ruoko rwekupodza rwaJesu Kristu rwakanga rwabata vanhu vaKe zvakare.

“Ndakachema kakawanda nemufaro nekuda kwechipo chitsva chaMwari chaakapa kuchechi chehama yedu inodikanwa, William Branham, nechipo chavo chinoshamisa chekupodza. Ichi chiitiko chaMwari achiita zvikuru-kuru kupfuurira zvose zvatinogona kukumbira kana kufunga (VaEfeso. 3:20), nokuti handisati ndamboona kana kuverenga chero chinhu chingaenzaniswe neshumiro yekupodza yaWilliam Branham.”

Rev. F.F. Bosworth, muvhangeri anozivikanwa pasi rese uye mumwe wevakatanga sangano reAssemblies Of God kunyange nekufamba kwechimanjemanje kwePentecosti.

“Mune chimwe chiitiko, takatarisa paaitaura kumurume ainge akarara panhowo. Pakutanga hatina kuona chiratidzo chekudairira kubva kumurume wacho. Tsanangudzo yakazobva kumudzimai wake aiva amirepo, yekuti murume uyu ainge asiri kungofa nekenza chete, asi aiva matsi uye aisanzwa zvaitaurwa.

Hama Branham ndokuti zvainge zvakafanira kuti murume uyu agamuchire kunzwa kwake kuitira kuti vamuraire maererano nekupodzwa kwekenza yake. Pakava nenguva yekunamata. Kamwekamwe murume uya anga onzwa! Madonhwe makuru emisodzi akaerera pamatama emurume iyeye uyo chiso chake change chisina kumboratidza kushanduka nekudairira usiku hwese. Akateerera nekunakidzwa paaiudzwa nezvekudzikinurwa kubva kukenza.”

Rev. Gordon Lindsay, nyanzvi yekunyora, mushumiri, uye muvambi weChrist For The Nations Institute.

“Hama Branham vakati, ‘Congressman vapodzwa.’ Moyo wangu wakasvetuka. Ndakafamba kubuda muvanhu ndikagamuchira Ishe seMupodzi wangu. Ndakaisa madondoro angu parutivi… pasi peDenga pakazaruka!”

William D. Upshaw, Congressman weAmerica (1919-1927), akakwikwidza kuva Mutungamiriri weAmerica muna 1932. Akaremara kubvira paakadonha akatyoka musana achiri mwana. Aiva nemakore 84 paakapodzwa zvizere nemunamato waHama Branham, mushure mekuremara kwemakore 66. Haana kumbozoda rubatsiro rwewhiricheya kana madondoro upenyu hwake hwese.

“Ndakanga ndakarara nemusana wangu kwemakore masere nemwedzi mipfumbamwe nekuda kweT.B. uye vanachiremba vakanga vatadza kundibatsira. Ndaisatomborema mapaundi anosvika 50 uye zvaiita sekunge tariro yese yaiva yapera. Zvino kubva kuJeffersonville, Indiana, kwakauya Rev. WM Branham muchiratidzo chavakanga vaona chegwayana rakabatwa murenje raichema richiti ‘Milltown,’ kunova kwandinogara. Hama Branham vakanga vasati vambouya kuno kana kuziva chero munhu wekuno. Vachipinda, vakaisa maoko pandiri ndokunamata, vachidana pamusoro pangu Zita raShe wedu Jesu anodikanwa. Chimwe chinhu chakaita sechandibata zvino ndakasimuka pakarepo ndichitenda Mwari nesimba raKe rekupodza. Ndave zvino muridzi wepiano muchechi yeBhaptist kuno.”

Georgia Carter, Milltown Indiana, akapodzwa kubva kuT.B. isingarapike muna 1940 uye haana kuzotambudzwa nechirwere ichocho zuva rimwe chete muhupenyu hwake zvakare. Anomiririra makumi ezviuru zevanhu vakapodzwa kubudikidza neshumiro yake nevari kupodzwa nhasi uno.